{"product_id":"shamhu-yezera-renyu-9781914287114","title":"Shamhu Yezera Renyu","description":"\u003cem\u003eShamhu yeZera Renyu\u003c\/em\u003e iyeuchidzo yekuti; shamhu kana bazi remuti raunomhara pariri ndiro rinokupa muono wezera rako maringe nekuti rakatunhumara zvakadini! Ichokwadi kuti shiri inomhara pashamhu kana pamufaro wakaringana nayo. Mubhuku iri Memory Chirere anoshandisa chidavado chekutevera nyaya sasarungano. Mune tunzendo nekupemhena; kukwira nekudzika nekuzvongonyoka uchitsvaga pekubuda kana pekupinda napo... Kutsvaga kuti zvose zvinouya pamunhu zvakatangira kupi? Kwozoita izwi remupfuurinenzira ari kuona asi iye asingaonekwe!\u003cstrong\u003e-Robert Masunga, \u003c\/strong\u003eLecturer, Birmingham, UK\u003cbr\u003eNhetembo dzaVaChirere dzinondiyeuchidza mbira nyunganyunga yandinoridza. Nyunganyunga yaridzwa kwemakore mazhinji zvekuti ungatofunga kuti hapana chimwe chitsva chingaitwe nayo. Ine mazino mashoma, ukapusa hauna zvizhinji zvaunoridza pairi. Saka zvinoda unyanzvi neumhizha sehwaVaChirere kuita zvishamiso uchishandisa chinhu chemazuva ese kudai.\u003cstrong\u003e-Hope Masike\u003c\/strong\u003e, Gwenyambirakadzi, \u003cem\u003eThe Sunday Mail\u003c\/em\u003e, Zimbabwe\u003cbr\u003eMubhuku rake rino renhetembo rechipiri kubva pana \u003cem\u003eBhuku Risina Basa, \u003c\/em\u003e Memory Chirere ari kuenda mberi nekutitora mapikicha achishandisa mazwi. Tinozviona nokuti tiri vanhu vari kurarama munguva imwechete naye. \u003cstrong\u003e-Prof Ruby Magosvongwe\u003c\/strong\u003e, University of Zimbabwe\u003cbr\u003e\u003cp\u003e\u003cbr\u003e\u003c\/p\u003e\u003cbr\u003e\u003cbr\u003e\u003cb\u003eAuthor:\u003c\/b\u003e Memory Chirere\u003cbr\u003e\u003cb\u003ePublisher:\u003c\/b\u003e Carnelian Heart Publishing Ltd\u003cbr\u003e\u003cb\u003ePublished:\u003c\/b\u003e 06\/23\/2023\u003cbr\u003e\u003cb\u003ePages:\u003c\/b\u003e 92\u003cbr\u003e\u003cb\u003eBinding Type:\u003c\/b\u003e Paperback\u003cbr\u003e\u003cb\u003eWeight:\u003c\/b\u003e 0.28lbs\u003cbr\u003e\u003cb\u003eSize:\u003c\/b\u003e 9.21h x 6.14w x 0.24d\u003cbr\u003e\u003cb\u003eISBN:\u003c\/b\u003e 9781914287114\u003cbr\u003e\u003cb\u003eLanguage:\u003c\/b\u003e Shona\u003cp\u003e\u003ci\u003eThis title is not returnable\u003c\/i\u003e\u003cbr\u003e\u003c\/p\u003e","brand":"Carnelian Heart Publishing Ltd","offers":[{"title":"Paperback","offer_id":41022200610931,"sku":"9.78191E+12","price":22.06,"currency_code":"USD","in_stock":true}],"thumbnail_url":"\/\/cdn.shopify.com\/s\/files\/1\/0555\/9255\/0515\/products\/img_11f3780d-04f9-45cd-a4b1-47ac435e1663.jpg?v=1697725576","url":"https:\/\/bookstorenmore.com\/products\/shamhu-yezera-renyu-9781914287114","provider":"Bookstore N More","version":"1.0","type":"link"}